Inner Development Guide — chiShona The official Shona translation, by Inner Development Goals, released 2025-10-14. The Inner Development Guide is published by Inner Development Goals · innerdevelopmentgoals.org The guide's text is Inner Development Goals' and is shared under their licence: non-commercial, unmodified, with the attribution above (CC BY-NC-ND 4.0). idg.guide/terms This text: idg.guide/official/sn.txt · All translations: idg.guide/translations # Kuva Munhu — Kudyara Upenyu Hwemukati Kudzamisa muono wezviri mukati medu, pamwe chete nehukama hwayo nezvakatipoteredza, zvinosimbisa kuvapo kwedu chaiko, kujeka kwechinangwa, uye kupindura kwakangwara panguva yekunetseka. ## B1 Chitsauso Chemwoyo Kuzvipira kwakadzika midzi kwekurarama nekuita zvinoenderana netsika nezvinangwa zvinoshandira zvakanaka zvese. ## B2 Kuvimbika uye Kuvimbika kweChokwadi Kuzvipira kwechokwadi kune kutendeseka netsika dzakadzika midzi, zvinoratidzwa uye zvinoshandiswa mukuita. ## B3 Kuvhurika Pfungwa neKuda Kudzidza Maonero anoda ruzivo uye anochinjika, anoratidzwa kuburikidza nokuda kuchinjana maonero, kusaomarara kwenjere, kugamuchira shanduko, uye kukura. ## B4 Kuzviziva kuti uri ani Kugona kuongorora pfungwa, manzwiro, zvishuwo, nezviito; kuchengetedza hunhu hwako, uye kuzvidzora. ## B5 Kuvapo Nguva Dzose Kugona kuvepo zvizere munguva ino nenzvimbo ino, kubvuma chokwadi sezvachiri, uye kupindura nenzira dzine ungwaru. # Mafungiro — Kunzwisisa Nyika Yedu Yakasanganiswa Kuwedzera kujeka, kufunga nezve maonero akasiyana-siyana, uye kufungidzira mhedzisiro yenguva refu, zvinotibatsira kufamba munyika yakaoma kunzwisisa uye kuita sarudzo dzakangwara munyika yedu kutibatanidza. ## T1 Kufunga Noungwaru Kugona kuongorora pfungwa, ufakazi, fungidziro, uye zvirongwa nouchapupu. ## T2 Kutsvaga Maonero Evazhinji Kugona kudzidza kubva kumaonero akasiyana-siyana, uye kubatanidza zvinonzwisiswa mukuita zvine musoro uye mukuita. ## T3 Kufunga Kwemasystem Kugona kunzwisisa kuoma uye kushanda nekubatana kwezvinhu nemaitiro esystem. ## T4 Kutarisa Kure kweChirongwa Kuita zvirongwa zvenguva refu uye kuramba wakazvipira kwazviri, uchipfuurira kuvaka nyika nekusimudzira zvakasikwa. ## T5 Kugona Kuumba Kugona kufunga kupfuura miitiro yenguva dzose, kufungidzira zvingaitika, uye kuzviumba kuita pfungwa dzinoshandura zvinhu. # Kuchengetedza Ukama — Kuchengeta Vamwe neZvisikwa Zvese Kubatana netsitsi nerudo, uchinzwa kuva pamwe chete nevanhu vose, varipasi vapenyu, uye kuzvizvarwa zvinouya, zvinotibatsira kugadzira nyika yakarurama, inogamuchira vanhu vose, uye inobudirira. ## R1 Kutenda neMufaro Kubatana hukama nevanhu vepasi rose nekutenda, maonero akanaka, uye mufaro. ## R2 Kubatana Kunzwa kuti uri chikamu cheboka guru, kusanganisira ukama hwevanhu, hupenyu hwepanyika, uye nyaya dzemweya dzinokosha. ## R3 Kuzvininipisa Kukwanisa kupindura kune izvo zvinodiwa panguva iyoyo, usingatarisiri kukosha kwako pachako. ## R4 Tsitsi neNgoni Kubatanidza mwoyo wako nevamwe, iwe pachako, uye nezvakasikwa nerudo, nekuchengeta, netsitsi, zvichitungamirirwa nechinangwa chekubvisa kutambudzika. ## R5 Kuregerera Kusiya chigumbu, kuporesa maronda emwoyo, uye kuvhura nzira yekugara murunyararo. # Kushandira Pamwe — Kuvimbana uye Kushingairira Kushandira Pamwe Kuvaka hukama hunekuvimbaka, kugamuchira misiyano yetsika neunyanzvi, uye kugadzira nzvimbo dzakachengeteka, zvinobatsira kuti vanhu vese vabatane. Nenzira iyi, munhu wese anokwanisa kupa zvakaita seunyanzvi hwake kuti zvinangwa zvedu zvikubudirire. ## C1 Unyanzvi Hwekuvaka Ukama Kurera hukama hwakadzama mupfungwa, mumoyo, rukudzo, kunzwisisana nemweya wekubatira pamwe. ## C2 Pfungwa Yokubatanidza neUnyanzvi Hwokubatanidza Tsika neMagariro Kuda uye kugona kugamuchira kusiyana-siyana, uye kubatanidza vanhu nenharaunda dzine maonero nemagariro netsika dzakasiyana. ## C3 Unyanzvi Hwekushandira Pamwe Kutungamirira basa pamwe chete nevanhu vakasiyana-siyana, kusimbisa timu kuti ive yakasimba uye yakachengeteka, uye kunzwisisa kuti masimba evanhu akarongeka. ## C4 Unyanzvi Hwekutaura Nokunzwanana Kugona kuteerera zvakadzama, kusimudzira nhaurirano yechokwadi, kutaura maonero ako zvinehunyanzvi, kugadzirisa kusawirirana nenzira inovaka, uye kuchinja matauriro kuti aenderane nemapoka akasiyana. ## C5 Unyanzvi Hwekuunganidza Vanhu Kukurudzira uye kugonesa vamwe kuti vabatane muchinangwa chimwe chete uye vashande pamwe chete. # Kuita — Kutungamirira uye Kugadzirira Shanduko Kana tikasatya, tikashanda pamwe, uye tikarega kukanda mapfumo pasi, tinokwanisa kushandura zvatinoita kuti zviitike, kunyange zvinhu zvakaoma. ## A1 Ushingi Kutsigira tsika dzakakosha, kuita sarudzo, kutora matanho, uye, kana zvichidiwa, kubvunzurura uye kubvonyongora tsika nemafungiro akagara aripo. ## A2 Tariro neKuvimba Kuvaka nekuchengetedza kubatana kuti tinokwanisa kugadzira ramangwana rakarurama, rinosanganisira vanhu vose, uye ramangwana rakanaka. ## A3 Kushandiswa Kwezviwanikwa Neruzivo Kuita tichiziva kuti zviwanikwa zvepasi zvinoshomeka, tichikoshesa kuchengetedza, kusimudzira, uye kushandisa neungwaru, kudzivirira mashandisiro anotikuvadza. ## A4 Kufanoronga Kutanga kushanda nhasi kugadzirira ramangwana, tichitora mutoro wezvinetso zviri pedyo, tichitevedza rudo rwevanhu nekuchengeta nyika. ## A5 Kusimbarara Kutirira matambudziko nechiremera, kuramba wakasimba, uye kutsungirira kunyange kufambira mberi kuchinonoka kana kusina chokwadi.